ShonaTeam Psalms « 107 »

Kuvonga Jehovha pakunaka kwake

107Vongai Jehovha, nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dzinogara nekusingaperi.

2 Vakadzikunurwa vaJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwemuvengi;

3 ndokuvaunganidza kubva kunyika zhinji, kubva kumabvazuva, nekubva kumavirira, kubva kumaodzanyemba, nekubva kugungwa.

4 Vakambeya murenje munzira yegwenga; havana kuwana guta rekugara.

5 Vane nzara uye vane nyota; mweya weupenyu wavo wakaziya mukati mavo.

6 Ipapo vakachema kuna Jehovha padambudziko ravo; iye wakavanunura kubva panhamo dzavo.

7 Zvino wakavatungamirira nenzira yakarurama, kuti vaende kuguta reugaro.

8 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwetsitsi dzake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!

9 Nokuti anogutisa mweya weupenyu une madongo, nemweya une nzara anouzadza nezvakanaka.

10 Vagari vemurima nemumvuri werufu, vakasungwa mudambudziko nematare;

11 nokuti vakamukira mashoko aMwari, nekushora zano reWekumusoro-soro.

12 Naizvozvo wakaderedza moyo wavo nekutambudzika; vakagumburwa, uye kwaiva kusina mubatsiri.

13 Ipapo vakachema kuna Jehovha padambudziko ravo, akavaponesa kubva panhamo dzavo.

14 Wakavabudisa parima nepamumvuri werufu, akadambura zvisungo zvavo.

15 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwekunaka kwake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!

16 Nokuti wakavhuna masuwo endarira, nekuguranya mazariro ematare.

17 Mapenzi, nekuda kwenzira yezvitadzo zvawo uye nekuda kwezvivi zvawo, akatambudzwa.

18 Mweya weupenyu wavo unosema zvekudya zvose; uye vanoswedera pamasuwo erufu.

19 Ipapo vakachema kuna Jehovha padambudziko ravo; iye anovaponesa kubva panhamo dzavo.

20 Wakatuma shoko rake, ndokuvaporesa, nekuvanunura pahunza dzavo.

21 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwetsitsi dzake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!

22 Zvino ngavabaye zvibairo zvekuvonga, nekurondedzera zviito zvake nemufaro.

23 Avo vanoburukira kugungwa muzvikepe, vanoita ushambadzi mumvura zhinji kwazvo.

24 Ava vakaona mabasa aJehovha, nezvishamiso zvake muudziku.

25 Nokuti anotaura, ndokumutsa dutu remhepo, rinosimudza mafungu aro.

26 Vanosimukira kumatenga, vanoburukira muudziku ukuru, mweya weupenyu wavo unonyunguduka nenhamo.

27 Vanondeya-ndeya nekudzadzarika sechidhakwa, uye uchenjeri hwavo hwose hwunomedzwa.

28 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, iye ndokuvabudisa panhamo dzavo.

29 Anonyaradza dutu remhepo, nemafungu aro anonyarara.

30 Zvino vakafara nokuti aiva anyarara, naizvozvo wakavauisa pakadzikama pechishuwo chavo.

31 Ngavarumbidze Jehovha nekuda kwetsitsi dzake, uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa kuvanakomana vevanhu!

32 Ngavamukudzewo paungano yevanhu; nepachigaro chevakuru ngavamurumbidze!

33 Wakaita nzizi dzive renje, nezvitubu zvemvura zvive ivhu rakaoma.

34 Nyika inobereka ive gwenga remunyu, nekuda kwezvakaipa zvevanogara mairi.

35 Anoita renje kuva dziva remvura, nenyika yakaoma ive zvitubu zvemvura.

36 Zvino anogarisa vane nzara ipapo, uye vanogadzira guta rekugara.

37 Uye vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, inoita zvibereko zvegoho.

38 Wakavaropafadzawo, zvekuti vakawanda kwazvo; uye haatapudzi zvipfuwo zvavo.

39 Vakatapudzikawo, vakaderedzwa nekumanikidzwa, zvakaipa, nekushungurudzika.

40 Anodurura kuzvidza pamusoro pemachinda, nekuvambeyesa murenje risina nzira.

41 Zvakadaro anogarisa pakakwirira murombo kubva pakutambudzika, aite mhuri dzive seboka remakwai.

42 Vakarurama vachaona ndokufara, neuipi hwose huchadzivira muromo wahwo.

43 Ani nani wakachenjera, achacherekedza zvinhu izvi; uye vachafunga tsitsi dzaJehovha.