ShonaTeam Psalms « 106 »

Tsitsi dzaJehovha pakutadza kwaIsraeri

106Hareruya. Vongai Jehovha nokuti wakanaka; nokuti tsitsi dzake dziripo nekusingaperi.

2 Ndiani angareva zviito zvine simba zvaJehovha, anzwise rumbidzo yake yose?

3 Vakaropafadzwa vanochengeta mutongo, uyo anoita kururama nenguva dzose.

4 Ndirangarirei, Jehovha, nekuda kwenyasha kuvanhu venyu; ndishanyirei neruponeso rwenyu.

5 Kuti ndione zvakanaka zvevasanangurwa venyu; kuti ndifare mumufaro werudzi rwenyu; kuti ndizvirumbidze pamwe nenhaka yenyu.

6 Takatadza pamwe nemadzibaba edu; takaita zvisina kururama; takaita zvakaipa.

7 Madzibaba edu paEgipita haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu; haana kurangarira kuwanda kwetsitsi dzenyu; asi vakamukira pagungwa, paGungwa Dzvuku.

8 Zvakadaro wakavaponesa nekuda kwezita rake, kuti azivise simba rake.

9 Wakatsiurawo Gungwa Dzvuku, ndokupwa; ndokuvafambisa nemuudziku semurenje.

10 Zvino wakavaponesa paruoko rwemuvengi, ndokuvadzikinura kubva muruoko rwemudzivisi.

11 Zvino mvura zhinji yakafukidza vavengi vavo; hakuna kusara umwe wavo.

12 Zvino vakatenda mashoko ake; vakaimba rumbidzo yake.

13 Vakakurumidza kukanganwa mabasa ake; havana kurindira zano rake.

14 Asi vakachiva zvekuchiva murenje, ndokuidza Mwari mugwenga.

15 Zvino wakavapa chikumbiro chavo, ndokutuma kuonda pamweya yeupenyu yavo.

16 Vakagodorawo Mozisi pamusasa, naAroni mutsvene waJehovha.

17 Pasi pakashama ndokumedza Dhatani, ndokufukidza boka raAbhirami.

18 Zvino moto wakapfuta pakati peboka ravo; murazvo ukapisa vakaipa.

19 Vakaita mhuru paHorebhu, ndokushumira chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa.

20 Ndokushandura kubwinya kwavo kuva mufananidzo wenzombe inodya uswa.

21 Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, wakaita zvinhu zvikuru paEgipita,

22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu, zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.

23 Saka wakati achavaparadza, pasina kuti Mozisi musanangurwa wake wakamira pakupoya pamberi pake, kudzora hasha dzake kubva pakuparadza.

24 Hongu, vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda shoko rake.

25 Asi vakanyunyuta mumatende avo; vakasateerera kuinzwi raJehovha.

26 Naizvozvo wakavasimudzira ruoko rwake, kuvawisira murenje;

27 kuwisirawo mbeu yavo pakati pemarudzi, nekuvaparadzira munyika zhinji.

28 Vakazvibatanidzawo kuna Bhaari-Peori, ndokudya zvibairo zvevakafa.

29 Naizvozvo vakamutsamwisa nezviito zvavo, uye dambudziko rakapazira pakati pavo.

30 Zvino kwakasimuka Pinehasi ndokuita mutongo, dambudziko ndokugumiswa.

31 Zvino zvakaverengerwa kwaari kuva kururama kusvika kuzera nezera kusvika rinhi narinhi.

32 Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yegakava, kusvika zvaipira Mozisi nekuda kwavo.

33 Nokuti vakamukira mweya wake, iye ndokutaura pasina kufungisisa nemiromo yake.

34 Havana kuparadza marudzi, Jehovha sezvaaiva areva kwavari;

35 asi vakavhengana nevahedheni, ndokudzidza mabasa avo.

36 Zvino vakashumira zvifananidzo zvavo, uye zvikava musungo kwavari.

37 Nevanakomana vavo nevanasikana vavo vakavabaira kumadhimoni.

38 Uye vakateura ropa risina mhosva, ropa revanakomana vavo nerevanasikana vavo, vakavabaira kuzvifananidzo zveKenani; nyika ndokusvibiswa neropa zhinji.

39 Saizvozvo vakasvibiswa nemabasa avo, ndokufeva nezviito zvavo.

40 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira vanhu vake, zvekuti wakasema nhaka yake.

41 Zvino wakavapa muruoko rwevahedheni; uye vaivavenga vakatonga pamusoro pavo.

42 Uye vavengi vavo vakavamanikidza, ndokudukupiswa pasi peruoko rwavo.

43 Kazhinji wakavanunura, asi ivo vakamumukira pazano ravo, vakaderedzwa nezvakaipa zvavo.

44 Zvakadaro wakaona kutambudzika kwavo, paakanzwa kuchema kwavo.

45 Zvino wakarangarira sungano yake nekuda kwavo, ndokuzvidemba zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake.

46 Wakavapawo tsitsi pamberi pevose vaiva vavatapa.

47 Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, uye tiunganidzei kubva pavahedheni, kupa kuvonga kuzita renyu dzvene, kuzvirumbidza murumbidzo yenyu.

48 Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, kubva pakusingaperi uye kusvika pakusingaperi. Uye vanhu vose ngavati: Ameni. Hareruya.