ShonaTeam Psalms « 102 »

Kuchema kwemunhu ari pakutambudzika

Munyengetero weanotambudzika kana achikundikana achidurura chichemo chake pamberi paJehovha.

102Jehovha, inzwai munyengetero wangu; uye kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.

2 Regai kundivanzira chiso chenyu; pazuva randiri mudambudziko rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pazuva randinodana kurumidzai kundipindura.

3 Nokuti mazuva angu anopera seutsi; uye mapfupa angu anotsva sevira remoto.

4 Moyo wangu warohwa uye waoma seuswa, zvekuti ndakakanganwa kudya chingwa changu.

5 Nekuda kwenzwi rekugomera kwangu mapfupa angu anonamatira panyama yangu.

6 Ndafanana nekondo yemurenje; ndakava sezizi remumatongo.

7 Ndinorinda, uye ndava seshiri igere yoga padenga reimba.

8 Vavengi vangu vanondituka zuva rose; avo vanondipengera vanondipikira.

9 Nokuti ndakadya madota sechingwa, uye ndikavhenganisa zvinwiwa zvangu nemisodzi,

10 nekuda kwehasha dzenyu nekutsamwa kwenyu; nokuti makandisimudzira mukandirasa pasi.

11 Mazuva angu akaita semumvuri unoreba; uye ini ndinooma seuswa.

12 Asi imwi, Jehovha, muchagara nekusingaperi, nechirangaridzo chenyu kusvika kuzera nezera.

13 Imwi muchamuka munzwire Ziyoni tsitsi; nokuti nguva yekurinzwira tsitsi, nokuti nguva yakatarwa yasvika.

14 Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, vanonzwira tsitsi guruva raro.

15 Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, nemadzimambo ose epasi kubwinya kwenyu.

16 Jehovha paachavaka Ziyoni, achaonekwa mukubwinya kwake,

17 achatendeukira kumunyengetero weasina chinhu, uye haangazvidzi munyengetero wavo.

18 Izvi zvichanyorerwa zera richatevera; uye vanhu vachazosikwa vacharumbidza Jehovha.

19 Nokuti wakatarira pasi ari pakakwirira penzvimbo yake tsvene; Jehovha ari kumatenga wakatarisisa panyika;

20 kunzwa kugomera kwemusungwa; kusunungura vakatemerwa rufu;

21 kurondedzera zita raJehovha muZiyoni, nerumbidzo yake muJerusarema;

22 marudzi paanenge akaungana pamwe, neumambo uzhinji, kushumira Jehovha.

23 Wakapodza simba rangu panzira; wakapfupisa mazuva angu.

24 Ndakati: Mwari wangu, regai kundibvisa mukati memazuva angu; makore enyu muzera nemumazera.

25 Kare makateya nyika; nematenga ibasa remaoko enyu.

26 Zvichaparara izvo, asi imwi muchagara; uye zvose zvichasakara senguvo; sechipfeko muchazvishandura, uye zvichashandurwa.

27 Asi imwi muri imwi, nemakore enyu haana mugumo.

28 Vana vevaranda venyu vanogara; nembeu yavo ichasimbiswa pamberi penyu.