ShonaTeam Psalms « 101 »

Dhavhidhi anovimbisa kufamba nenzira yakanaka

Pisarema raDhavhidhi.

101Ndichaimba zvetsitsi nemutongo; ndichakuimbirai rumbidzo, Jehovha.

2 Ndichazvibata neuchenjeri nenzira yakarurama. Muchauya rinhi kwandiri? Ndichafamba muuchokwadi hwemoyo wangu mukati meimba yangu.

3 Handingaisi pamberi pemeso angu chinhu chakaipa; ndinovenga kuita kwevanotsauka; hazvingandinamatiri.

4 Moyo wakatsauka uchabva kwandiri; handingazivi wakaipa.

5 Anonyeya muvakidzani wake pakavanda, iye ndinogura; wemeso akakwirira nemoyo unozvikudza, iye handingamutenderi.

6 Meso angu achava pamusoro pevakatendeka vepanyika, kuti vagare neni; uyo anofamba nenzira yakarurama, iye achandishumira.

7 Anoita unyengeri haangagari mukati meimba yangu; anotaura nhema zhinji haangasimbiswi pamberi pemeso angu.

8 Mazuva ose mangwanani ndichaparadza vakaipa vose vepanyika, kugura kubva paguta raJehovha vose vaiti vezvakaipa.