ShonaTeam Psalms « 100 »

Rwiyo rwekuvonga musiki

Pisarema rekurumbidza.

100Pururudzai kuna Jehovha, imwi nyika yose.

2 Shumirai Jehovha nemufaro; uyai pamberi pake nekuimba nemufaro.

3 Zivai kuti Jehovha ndiMwari; iye wakatiita, uye hatisi isu, tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.

4 Pindai pamasuwo ake muchivonga, pavazhe dzake nekurumbidza; muvongei, rumbidzai zita rake.

5 Nokuti Jehovha wakanaka; tsitsi dzake dziripo nekusingaperi, nekutendeka kwake kuzera nezera.