ShonaTeam Psalms « 99 »

Jehovha anotonga

99Jehovha anotonga; vanhu ngavadedere; mugari wepamakerubhi; nyika ngaizununguke.

2 Jehovha mukuru muZiyoni; uye wakakwirira pamusoro pevanhu vose.

3 Ngavarumbidze zita renyu guru uye rinotyisa; iye mutsvene.

4 Simba ramambo rinodawo mutongo; imwi munosimbisa kururama kukuru; imwi munoita mutongo nekururama muna Jakove.

5 Kwiridzirai Jehovha Mwari wedu, uye namatai pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.

6 Mozisi naAroni pakati pevapristi vake, naSamueri pakati pevanodana zita rake; vakadana kuna Jehovha, iye ndokuvapindura.

7 Wakataura navo mukati meshongwe yegore; vakachengeta zvipupuriro zvake nemurairo waakavapa.

8 Jehovha Mwari wedu, imwi makavapindura; maiva Mwari waivakanganwira, kunyange muchitsiva pazviito zvavo.

9 Kwiridzirai Jehovha Mwari wedu, uye namatai pagomo rake dzvene; nokuti Jehovha Mwari wedu mutsvene.