ShonaTeam Psalms « 97 »

Ukuru hwaJehovha Mambo

97Jehovha anotonga; nyika ngaifare; zviwi zvizhinji ngazvipembere.

2 Makore nerima zvinomukomberedza; kururama nemutongo ugaro hwechigaro chake cheushe.

3 Moto unotungamira pamberi pake, uye unopisa vavengi vake mativi ose.

4 Mheni dzake dzakavheneka nyika; pasi pakaona ndokudedera.

5 Makomo akanyunguduka senamo pamberi paJehovha, pamberi paShe wepasi pose.

6 Matenga anodudzira kururama kwake; nevanhu vose vanoona kubwinya kwake.

7 Vanonyara vose vanoshumira mifananidzo yakavezwa, vanozvikudza nezvimwari; mushumirei imwi mose vamwari.

8 Ziyoni rakanzwa ndokufara, nevakunda vaJudha vakapembera, nekuda kwemitongo yenyu, Jehovha.

9 Nokuti imwi Jehovha, makakwirira pamusoro penyika yose; makakwiridzwa kwazvo pamusoro pevamwari vose.

10 Imwi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa; anochengetedza mweya yeupenyu yevatsvene vake; avanunure muruoko rwevakaipa.

11 Chiedza chinodzvarirwa wakarurama, nemufaro vane moyo yakarurama.

12 Farai muna Jehovha, imwi vakarurama, uye vongai pakurangarira utsvene hwake.