ShonaTeam Psalms « 96 »

Jehovha ndiMambo

96Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, pasi pose.

2 Imbirai Jehovha; rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake kubva pazuva kusvika pazuva.

3 Rondedzerai kubwinya kwake pakati pevahedheni, zvishamiso zvake pakati pevanhu vose.

4 Nokuti Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; iye anotyisa pamusoro pavamwari vose.

5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo; asi Jehovha wakaita matenga.

6 Rukudzo nekubwinya zviri pamberi pake; simba nekunaka zviri muimba yake tsvene.

7 Ipai kuna Jehovha, imwi mazera emarudzi, ipai kuna Jehovha rumbidzo nesimba.

8 Ipai kuna Jehovha rumbidzo yezita rake; unzai chipo, mupinde pavazhe dzake.

9 Namatai Jehovha mukunaka kweutsvene; mudedere pamberi pake, pasi pose.

10 Itiyi pakati pevahedheni: Jehovha anotonga; nenyika ichasimbiswa, isazungunuswa; achatonga vanhu mukururama kukuru.

11 Matenga ngaafare, nenyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire nekuzara kwaro.

12 Sango ngarifare, nezvose zviri mariri; ipapo miti yose yedondo ichaimba nemufaro.

13 Pamberi paJehovha, nokuti anouya, nokuti anouya kuzotonga pasi; achatonga nyika nekururama, nevanhu nekutendeka kwake.