ShonaTeam Psalms « 95 »

Jehovha ngaakudzwe ateererwe nevanhu

95Uyai, tiimbire Jehovha; tipururudzire dombo reruponeso rwedu.

2 Ngatiuye pamberi pake nekuvonga, timupururudzire nemapisarema.

3 Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, naMambo mukuru pamusoro pevamwari vose.

4 Muruoko rwaiye mune nzvimbo dzepanyika dzakadzika, nenhongonya dzemakomo ndedzake.

5 Uyo gungwa riri rake, nokuti ndiye wakariita; uye maoko ake akaumba panyika pakaoma.

6 Uyai, tinamate tikotamire pasi; ngatifugame pamberi paJehovha muiti wedu.

7 Nokuti iye ndiMwari wedu, nesu tiri vanhu vemafuro ake nemakwai eruoko rwake.

Nhasi dai muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa moyo yenyu sepakupikisana, sezuva remuedzo murenje.

9 Madzibaba enyu paakandiedza vachindiidza, hongu vakaona basa rangu.

10 Makore makumi mana ndakasemeswa nezera iro, kusvika ndati: Ivo vanhu vanotsauka mumoyo; uye ivo havazivi nzira dzangu.

11 Naizvozvo vandakapikira pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu.