ShonaTeam Psalms « 94 »

Jehovha ndiye Mutsivi

94Mwari wetsivo zhinji, Jehovha, Mwari wetsivo zhinji, penyai.

2 Simukirai, Mutongi wenyika; tsivai mubairo kune vanozvikudza.

3 Kusvika rinhi vakaipa, Jehovha, kusvika rinhi vakaipa vachipembera?

4 Vanodurura mashoko, vanotaura vakasimba, vose vaiti vezvakaipa vachizvikudza.

5 Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, nekutambudza nhaka yenyu.

6 Vanouraya chirikadzi nemutorwa, nenherera vanodziponda.

7 Zvakadaro vanoti: Jehovha haaoni, naMwari waJakove haazvicherekedzi.

8 Nzwisisai imwi matununu pakati pevanhu; nemwi mapenzi, muchachenjera rinhi?

9 Iye wakasima nzeve haanzwi here? Iye wakaumba ziso haaoni here?

10 Iye anoraira vahedheni haarangi here? Iye anodzidzisa munhu ruzivo haazivi here?

11 Jehovha anoziva ndangariro dzemunhu, kuti hadzina maturo.

12 Wakaropafadzwa murume wamunoranga, Jehovha, nekumudzidzisa kubva mumurau wenyu.

13 Kumuzorodza pamazuva ezvakaipa, kusvika kwachererwa wakaipa gomba.

14 Nokuti Jehovha haangarasi vanhu vake; nenhaka yake haasii.

15 Nokuti mutongo uchadzokera kukururama; nevose vakarurama pamoyo vachautevera.

16 Ndiani achandisimukira kurwisa vaiti vezvakaipa? Ndiani achandimirira kurwisa vabati vezvakaipa?

17 Dai Jehovha aisava rubatsiro rwangu, mweya weupenyu wangu ungadai nepadiki wakagara pakuti zii.

18 Pandakati: Rutsoka rwangu rwotedzemuka: Tsitsi dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira.

19 Muuwandu hwendangariro dzangu mukati mangu nyaradzo dzenyu dzakafadza mweya weupenyu wangu.

20 Chigaro cheushe chezvakaipa chingadyidzana nemwi here, chinoumba dambudziko nemurau here?

21 Vanounganira kurwisa mweya weupenyu wewakarurama, nekupa mhosva ropa risina mhosva.

22 Asi Jehovha inhare yangu; naMwari wangu idombo reutiziro hwangu.

23 Zvino achadzosera pamusoro pavo chitadzo chavo. Uye avapedze pakuipa kwavo. Jehovha Mwari wedu achavapedza.