ShonaTeam Psalms « 93 »

Umambo hwaJehovha

93Jehovha anotonga; wakapfekedzwa umambo; Jehovha wakapfekedzwa simba; wakazvisunga chiuno. Nenyika yakasimbiswa; haingazungunuswi.

2 Chigaro chenyu cheushe chakasimbiswa kare; imwi muripo kubva pakusingaperi.

3 Nzizi dzakasimudza, Jehovha; nzizi dzakasimudza inzwi radzo; nzizi dzakasimudza kutinhira kwadzo.

4 Jehovha wakakwirira ane simba kupfuura kutinhira kwemvura zhinji, nemafungu ane simba egungwa.

5 Zvipupuriro zvenyu ndezvechokwadi kwazvo; utsvene hwakafanira imba yenyu, Jehovha, kusvika pakureba kwemazuva.