ShonaTeam Psalms « 91 »

Mufaro wemunhu anochengetwa naJehovha

91Uyo agere panzvimbo yakavanda yeWekumusoro-soro achagara pamumvuri weWemasimbaose.

2 Ndichati pamusoro paJehovha: Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, ndinovimba naye.

3 Nokuti iye achakununura kubva parudzingi rwemuteyi, kubva pahosha yekuparadza kukuru.

4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchavimba pasi pemapapiro ake; chokwadi chake inhovo huru nenhovo diki.

5 Haungatyi chinotyisa pausiku, museve unobhururuka masikati,

6 hosha inofamba murima, kuparadza kunoputsa masikati machena.

7 Kurutivi rwako kuchawa churu, negumi rezvuru paruoko rwako rwerudyi; hazvingaswederi kwauri.

8 Koga unotarisa nemeso ako; ndokuona kutsiviwa kwevakaipa.

9 Nokuti imwi Jehovha muri utiziro hwangu! Wakaita Wekumusoro-soro ave nzvimbo yako yekugara.

10 Hapana chakaipa chingakuwira, uye dambudziko ripi neripi haringaswederi patende rako.

11 Nokuti acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kukuchengetedza panzira dzako dzose.

12 Vachakusimudza pamaoko, zvimwe urovere rutsoka rwako pabwe.

13 Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; mwana weshumba nebukanana uchatsikira pasi.

14 Nokuti wakandida zvikuru, naizvozvo ndichamununura. Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.

15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndinaye padambudziko; ndichamununura, uye ndichamukudza.

16 Ndichamugutsa nekureba kwemazuva, uye ndichamutaridza ruponeso rwangu.