ShonaTeam Psalms « 90 »

Kupfupika kweupenyu hwemunhu

Munyengetero waMozisi, munhu waMwari.

90Ishe, imwi maiva ugaro hwedu pazera nezera.

2 Makomo asati azvarwa, kana mabereka pasi nenyika, iko kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi, imwi muri Mwari.

3 Munodzosera munhu mukukuyiwa; ndokuti: Dzokai imwi vana vevanhu.

4 Nokuti makore churu pameso enyu akaita sezuva razuro kana rapfuura, hongu, murindiro pausiku.

5 Munovakukura; vava sehope; mangwanani vakaita seuswa hunotunga.

6 Mangwanani hunopenya, nekutunga; madekwani hunochekwa ndokusvava.

7 Nokuti tinopedzwa mukutsamwa kwenyu; uye nehasha dzenyu tinokanganiswa.

8 Makaisa zvitadzo zvedu pamberi penyu, zvakavanzika zvedu pachiedza chechiso chenyu.

9 Nokuti mazuva edu ose anopfuura mukutsamwa kwenyu; tinopedza makore edu sekutura befu.

10 Mazuva emakore edu, maari mune makore makumi manomwe, uye kana nekuda kwesimba makore makumi masere; zvakadaro kuzvikudza kwawo kutambudzika nenhamo; nokuti anokurumidza kugurwa, uye tinobhururuka ndokunyangarika.

11 Ndiani anoziva simba rekutsamwa kwenyu; uye zvichienderana nekutyisa kwenyu, dzakadaro hasha dzenyu.

12 Naizvozvo tidzidzisei kuverenga mazuva edu, kuti tiwane moyo weuchenjeri.

13 Dzokai, Jehovha! Kusvika rinhi? Uye nzwirai tsitsi varanda venyu.

14 Tigutsei mangwanani netsitsi dzenyu, kuti tifare, tifarisise nemazuva edu ose.

15 Tifadzei zvinoenderana nemazuva amakatitambudza, makore atakaona zvakaipa.

16 Basa renyu ngarionekwe kuvaranda venyu, nekubwinya kwenyu kuvana vavo.

17 Uye kunaka kwaIshe Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; uye simbisai basa remaoko edu kwatiri; hongu, basa remaoko edu murisimbise.