ShonaTeam Psalms « 89 »

Zvivimbiso zvaJehovha

Masikiri yaEtani muEzirahi.

89Ndichaimbira tsitsi dzaJehovha nekusingaperi; nemuromo wangu ndichazivisa kutendeka kwenyu kuzera nezera.

2 Nokuti ndakati: Tsitsi dzichavakwa nekusingaperi; muchasimbisa kutendeka kwenyu mumatenga momene.

3 Ndakaita sungano nemusanangurwa wangu; ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi:

4 Ndichasimbisa mbeu yako kusvika rinhi narinhi, uye ndichavaka chigaro chako cheushe kusvika kuzera nezera. Sera.

5 Zvino matenga acharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; nekutendeka kwenyu paungano yevatsvene.

6 Nokuti ndiani muchadenga angaenzaniswa naJehovha? Ndiani akaita saJehovha pakati pevanakomana vevane simba?

7 Mwari anotyisa zvikuru paungano yevatsvene, uye anofanira kuremekedzwa pamusoro pevose vakamukomberedza.

8 Jehovha, Mwari wehondo, ndiani ane simba semwi, Jehovha? Uye kutendeka kwenyu kwakakukomberedzai.

9 Ndimwi mutongi pamusoro pekuzvikudza kwegungwa; panomuka mafungu aro, imwi munoanyaradza.

10 Imwi makaputsanya Rahabhi seuyo anourawa; makaparadzira vavengi venyu neruoko rwenyu rwune simba.

11 Matenga ndeenyu, nepasi ndepenyuwo; nyika nekuzara kwayo, imwi makazviteya.

12 Maodzanyemba nechamhembe, imwi makazvisika; Tabhori neHerimoni zvichafara muzita renyu.

13 Mune chanza chine simba; ruoko renyu rwakasimba; ruoko rwenyu rwerudyi rwakakwirira.

14 Kururama nemutongo inheyo yechigaro chenyu cheushe; tsitsi nechokwadi zvichafamba pamberi pechiso chenyu.

15 Vakaropafadzwa vanhu vanoziva mhururu; vachafamba muchiedza chechiso chenyu, Jehovha.

16 Muzita renyu vachafara zuva rose; uye mukururama kwenyu vanokwiridzirwa.

17 Nokuti imwi muri kubwinya kwesimba ravo; uye munyasha dzenyu runyanga rwedu ruchakwiridzirwa.

18 Nokuti nhovo yedu ndeyaJehovha; namambo wedu ndeweMutsvene waIsraeri.

19 Ipapo makataura muchiratidzo kumutsvene wenyu ndokuti: Ndakaisa rubatsiro pamusoro pewemasimba; ndakakwiridzira musanangurwa muvanhu.

20 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; nemafuta angu matsvene ndamuzodza.

21 Naye ruoko rwangu rwuchasimbiswa; chanza changuwo chichamusimbisa.

22 Muvengi haangamumanikidzi; nemwanakomana wekuipa haangamutambudzi.

23 Zvino ndichapwanya vavengi vake pamberi pechiso chake; uye ndicharova vanomuvenga.

24 Asi kutendeka kwangu netsitsi dzangu zvichava naye; uye muzita rangu runyanga rwake rwuchakwiridzirwa.

25 Zvino ndichaisa ruoko rwake mugungwa, neruoko rwake rwerudyi panzizi.

26 Iye achadana kwandiri achiti: Imwi muri baba vangu, Mwari wangu, nedombo reruponeso rwangu.

27 Ndichamugadzawo kuva dangwe, wakakwiririsa pamadzimambo enyika.

28 Ndichamuchengetera tsitsi dzangu nekusingaperi, nesungano yangu ichasimba kwaari.

29 Zvino ndichamisa mbeu yake kusvika rinhi narinhi, nechigaro chake cheushe semazuva ematenga.

30 Kana vana vake vakasiya murau wangu, uye vakasafamba mumitongo yangu,

31 kana vakasvibisa zvimiso zvangu, uye vakasachengeta mirau yangu,

32 ipapo ndichashanyira chitadzo chavo netsvimbo, nekuipa kwavo neshamhu zhinji.

33 Zvakadaro handingatongobvisi rudo rweunyoro hwangu kwaari, uye handinganyengeri mukutendeka kwangu.

34 Sungano yangu handingaguri, uye handishanduri chakabuda pamiromo yangu.

35 Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu: Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi.

36 Mbeu yake ichavapo kusvika rinhi narinhi, nechigaro chake cheushe sezuva pamberi pangu.

37 Chichasimbiswa semwedzi kusvika rinhi narinhi, uye uchapupu huri muchadenga hwakasimba. Sera.

38 Asi imwi makarasa nekuramba; makatsamwira muzodzwa wenyu.

39 Makashaisa maturo sungano yemuranda wenyu; makasvibisa korona yake panyika.

40 Makaputsa masvingo ake ose; makaita nhare dzake dongo.

41 Vanopamba vose vanopfuura nenzira; ndiye chiseko kuvavakidzani vake.

42 Makakwiridzira ruoko rwerudyi rwevadzivisi vake; makafadza vavengi vake vose.

43 Munodzosawo kwakapinza kwemunondo wake; uye hamuna kumumisa pahondo.

44 Makagumisa kubwinya kwake, nekukanda chigaro chake cheushe pavhu.

45 Makapfupisa mazuva eudiki hwake; makamufukidza nenyadzi. Sera.

46 Jehovha, kusvika rinhi, muchizvivanza nekusingaperi? Kutsamwa kwenyu kuchapfuta semoto here?

47 Rangarira kuti nguva yeupenyu hwangu yakadii. Makasikirei vana vevanhu vose pasina?

48 Ndiani munhu anorarama asingaoni rufu? Anganunura mweya weupenyu wake kubva muruoko rweguva here? Sera.

49 Rudo rweunyoro hwenyu hwekutanga huripi, Ishe, hwamakapika kuna Dhavhidhi nekutendeka kwenyu?

50 Rangarirai, Ishe, chiseko chevaranda venyu; ndakatakura pachipfuva changu zvishooro zvemarudzi ose mazhinji,

51 vavengi venyu zvavakashoora nazvo, Jehovha, zvaakashoora nazvo makwara emuzodzwa wenyu.

52 Jehovha ngaavongwe kusvika rinhi narinhi. Ameni, uye Ameni.