ShonaTeam Psalms « 88 »

Kuchema kwemunhu anotambudzika

Rwiyo. Pisarema, kuvanakomana vaKora; kumutungamiriri wekuimba; neMaharati-Reyanoti. Masikiri yaHemani muEzirahi.

88Jehovha, Mwari weruponeso rwangu, ndakachema masikati neusiku pamberi penyu.

2 Munyengetero wangu ngauuye pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3 Nokuti mweya weupenyu wangu uzere nematambudziko, neupenyu hwangu hwonanavira kuguva.

4 Ndinoverengwa pamwe nevanoburukira kugomba; ndakaita semurume asina simba.

5Ndakasunungurwa pakati pevakafa, sevakaurawa varere muguva, vamusati mucharangarira; nokuti ivo vakagurwa vakabviswa paruoko rwenyu.

6 Makandiisa mugomba repasi-pasi, panzvimbo dzine rima, muudziku ukuru.

7 Hasha dzenyu dzinorema pamusoro pangu; makarwadzisa nemafungu enyu ose. Sera.

8 Makabvisira vazikanwi vangu kure neni; makandiita chinyangadzo chikuru kwavari; ndavharirwa, uye handigoni kubuda.

9 Ziso rangu ropera nekuda kwekurwadziwa; Jehovha, ndakadana kwamuri nezuva rose; ndakatandavadzira maoko angu kwamuri.

10 Vakafa mungavaitira chishamiso here? Mweya yakafa ichamuka here ikakurumbidzai? Sera.

11 Rudo rweunyoro hwenyu rwungarondedzerwa muguva here? Nekutendeka kwenyu mukuparadza here?

12 Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here? Nekururama kwenyu panyika yekukanganwa here?

13 Asi ini, Jehovha, ndakachema kwamuri; uye mangwanani munyengetero wangu uchauya pamberi penyu.

14 Jehovha, munorasirei mweya weupenyu wangu? Munovanzirei chiso chenyu kwandiri?

15 Ndatambudzika uye ndiri anofa kubva paudiki; ndakatakura kutyisa kwenyu; ndinopererwa.

16 Hasha dzenyu dzinopisa dzakapfuura pamusoro pangu; kutyisa kukuru kwenyu kwakandipedza.

17 Zvakandikomberedza semvura zuva rose; zvakandipoteredza pamwe chete.

18 Mudiwa neshamwari makaisa kure neni; vazikanwi vangu vari murima.