ShonaTeam Psalms « 87 »

Mbiri yeJerusarema

Kuvanakomana vaKora. Pisarema, rwiyo.

87Nheyo yake iri pamusoro pemakomo matsvene.

2 Jehovha anoda masuwo eZiyoni kupfuura nzvimbo dzose dzekugara dzaJakove.

3 Zvinhu zvinorumbidzwa zvinotaurwa pamusoro pako, guta raMwari! Sera.

4 Ndichataura Rahabhi neBhabhironi kune vanondiziva; tarirai, Firisitia, neTire, pamwe neItiyopiya, uyu wakazvarirwako.

5 Zvino pamusoro peZiyoni zvichanzi: Murume uyu neuyo vakazvarirwa mariri; uye Wekumusoro-soro amene acharisimbisa.

6 Jehovha achaverenga pakunyora kwake vanhu: Uyu wakazvarirwako. Sera.

7 Vaimbi pamwe nevatambi, matsime angu ose ari mauri.