ShonaTeam Psalms « 86 »

Munyengetero wekukumbira tsitsi dzaMwari

Munyengetero waDhavhidhi.

86Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, ndipindurei; nokuti ndiri murombo nemushaiwi.

2 Chengetedzai mweya weupenyu wangu; nokuti ndiri wakatendeka; imwi Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemwi.

3 Ndinzwirei tsitsi, Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4 Fadzai mweya weupenyu wemuranda wenyu, nokuti ndinosimudzira mweya weupenyu wangu kwamuri, Ishe.

5 Nokuti imwi Ishe, makanaka, uye munokanganwira, uye muri mukuru patsitsi kune avo vose vanodana kwamuri.

6 Ipai nzeve, Jehovha, kumunyengetero wangu; uye muteerere kuinzwi remikumbiro yangu.

7 Pazuva rekutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nokuti muchandipindura.

8 Hapana wakafanana nemwi pakati pevamwari, Ishe, uye hapana akaita semabasa enyu.

9 Marudzi ose amakaita achauya akotama pamberi penyu, Ishe, arumbidze zita renyu.

10 Nokuti muri mukuru, uye munoita zvinhu zvinoshamisa; muri Mwari moga.

11 Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha; ndichafamba muchokwadi chenyu; batanidzai moyo wangu kuti utye zita renyu.

12 Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nemoyo wangu wose, uye ndicharumbidza zita renyu nekusingaperi.

13 Nokuti tsitsi dzenyu ihuru kwandiri; uye makanunura mweya weupenyu wangu kubva mugomba repasi-pasi.

14 Mwari, vanozvikudza vakandimukira; uye ungano yevanomanikidza vanotsvaka mweya weupenyu wangu; uye havana kukuisai pamberi pavo.

15 Asi imwi, Ishe, muri Mwari ane tsitsi nengoni, munononoka kutsamwa, uye muri mukuru patsitsi nechokwadi.

16 Tendeukirai kwandiri, mugondinzwira tsitsi, ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye ponesai mwanakomana wemurandakadzi wenyu.

17 Ndiratidzei chiratidzo chezvakanaka, kuti vanondivenga vaone, uye vanyare, nokuti imwi Jehovha, makandibatsira nekundinyaradza.