ShonaTeam Psalms « 85 »

Munyengetero wekukumbirira Israeri rugare

Kumutungamiriri wekuimba. Kuvanakomana vaKora. Pisarema.

85Jehovha, makaitira nyasha nyika yenyu; makadzosa utapwa hwaJakove.

2 Makakanganwira uipi hwevanhu venyu; makafukidza zvivi zvavo zvose. Sera.

3 Makabvisa kutsamwa kwenyu kose; makadzoka pakupfuta kwehasha dzenyu.

4 Tidzosei, Mwari weruponeso rwedu; mugogumisa hasha dzenyu kwatiri.

5 Muchatitsamwira nekusingaperi here? Mucharebesa hasha dzenyu kuzera nezera here?

6 Imwi hamungatimutsirudzizve here, kuti vanhu venyu vafare mamuri?

7 Tiratidzei tsitsi dzenyu, Jehovha; mugotipa ruponeso rwenyu.

8 Ndichanzwa Mwari Jehovha zvaachataura; nokuti achataura rugare kuvanhu vake nekuvatsvene vake; asi ngavasadzokerazve kuupenzi.

9 Zvirokwazvo ruponeso rwake rwuri pedo kune vanomutya, kuti rukudzo rwugare panyika yekwedu.

10 Tsitsi nechokwadi zvinochingamidzana; kururama nerugare zvakatsvodana.

11 Chokwadi chichamera kubva pasi; uye kururama kuchatarisa pasi kuri kumatenga.

12 Zvirokwazvo Jehovha uchapa zvakanaka; uye nyika yedu ichapa zvibereko zvayo.

13 Kururama kuchafamba pamberi pake, kugoitira nhanho dzake nzira.