ShonaTeam Psalms « 84 »

Mufaro uri paimba yaMwari

Kumutungamiriri wekuimba. NeGititi. Kuvanakomana vaKora. Pisarema.

84Dzinodika sei tabhenakeri dzenyu, Jehovha wehondo!

2 Mweya weupenyu wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3 Zvirokwazvo dhimba yakawana imba, nenyenganyenga dendere rayo, painoisa vana vayo, aritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.

4 Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; vachagara vachikurumbidzai. Sera.

5 Wakaropafadzwa munhu uyo simba rake riri mamuri, mune nzira huru mumoyo mavo.

6 Avo vanopfuura nemumupata weBhaka vanouita tsime; hongu, nemaropafadzo mvura yenhuruka inoputira.

7 Vanofamba kubva pasimba kuenda pasimba; umwe neumwe aonekwe pamberi paMwari paZiyoni.

8 Jehovha, Mwari wedzihondo, inzwa munyengetero wangu; ipai nzeve, Mwari waJakove. Sera.

9 Tarirai, Mwari, nhovo yedu, mugotarisa chiso chemuzodzwa wenyu.

10 Nokuti zuva pavazhe dzenyu riri nani pane churu. Ndinosarudza kuva pakurinda mukova muimba yaMwari wangu pane kugara mumatende euipi.

11 Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nerukudzo; haanganyimi zvakanaka kune vanofamba nekururama.

12 Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu anovimba nemwi.