ShonaTeam Psalms « 83 »

Munyengetero wekuti vavengi vaIsraeri vaparadzwe

Rwiyo. Pisarema raAsafi.

83Mwari, regai kunyarara; regai kusataura, uye musati zii, Mwari.

2 Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; uye vanokuvengai vakasimudza musoro.

3 Vanotorera vanhu venyu zano reunyengeri, vanorangana pamusoro pevakavanzwa venyu.

4 Vakati: Uyai, ngativaparadzei kubva pakuva rudzi, kuti zita raIsraeri risava richarangarirwazve.

5 Nokuti vakarangana nemoyo umwe; vanoita sungano kurwisana nemwi.

6 Matende aEdhomu, nevaIshimaeri, Moabhu, nevaHagari,

7 Gebhari, naAmoni, naAmareki, Firisitia, pamwe nevagari veTire,

8 Ashuriwo wakazvibatanidza navo; vaiva ruoko pavana vaRoti. Sera.

9 Muvaitire saMidhiani, saSisera, saJabhini, parukova Kishoni.

10 Vakaparadzwa paEndori; vakava mupfudze wevhu.

11 Itai vakuru vavo saOrebhi uye saZeebhi; hongu, machinda avo ose saZebha uye saZarimuna.

12 Ivo vakati: Ngatizvitorere mafuro aMwari ave edu.

13 Mwari wangu, muvaite sechinyamupupuri, semakoto pamberi pemhepo.

14 Semoto unopisa sango, uye semurazvo unotungidza makomo.

15 Naizvozvo muvadzingirire nedutu renyu remhepo, uye muvatyityidzire nechamupupuri chenyu.

16 Zadzai zviso zvavo nenyadzi, kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.

17 Ngavanyadziswe uye vavhunduswe nekusingaperi; zvirokwazvo, ngavasvodeswe uye vaparare.

18 Kuti vazive kuti ndimwi moga, mune zita renyu ndiJehovha, Wekumusoro-soro pamusoro penyika yose.