ShonaTeam Psalms « 82 »

Mwari ndiye mutongi mukuru

Pisarema raAsafi.

82Mwari anomira paungano yemasimba; anotonga pakati pevamwari.

2 Kusvika rinhi muchitonga zvisina kururama, uye muchigamuchira chiso chevakaipa? Sera.

3 Tongerai varombo nenherera; ruramisirai vanotambudzika nevanoshaiwa.

4 Pukunyutsai murombo nemushaiwi, nunurai kubva muruoko rwevakaipa.

5 Havazivi, havanzwisisi; vanofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozununguka.

6 Ini ndakati: Muri vamwari, uye mose muri vanakomana veWekumusoro-soro.

7 Asi muchafa semunhu, nekuwa seumwe wemachinda.

8 Mukai, Mwari, mutonge nyika; nokuti imwi, ndudzi dzose inhaka yenyu.