ShonaTeam Psalms « 81 »

Kusateerera kwaIsraeri

Kumutungamiriri wekuimba. NeGititi. RaAsafi.

81Imbirai kwazvo Mwari, simba redu; pururudzirai Mwari waJakove.

2 Torai rwiyo, mugounza gandira, mbira inonakidza pamwe nemutengeranwa.

3 Ridzai hwamanda pakugara kwemwedzi, panguva yakatarwa, pazuva remutambo wedu.

4 Nokuti ichi chimiso chaIsraeri, murau waMwari waJakove.

5 Wakazvitema kuva chipupuro muna Josefa, pakubuda kwake kurwisa nyika yeEgipita; ndakanzwa rurimi rwandaiva ndisingazivi.

6 Ndakabvisa fudzi rake kubva pamutoro; maoko ake akapfuudzwa kubva muhari.

7 Wakadana uri mudambudziko, zvino ndakakununura; ndakakupindura panzvimbo yakavanda yemutinhiro; ndakakunzvera pamvura zhinji dzeMeribha. Sera.

8 Inzwai, vanhu vangu, zvino ndichakupupurirai; Israeri, dai waindinzwa!

9 Hapangavi namwari wevatorwa pakati pako, uye usingakotamiri mwari wekumwe.

10 Ndiri Jehovha Mwari wako, wakakukwidza kubva panyika yeEgipita; shamisa muromo wako kwazvo, zvino ndichauzadza.

11 Asi vanhu vangu havana kuteerera kuinzwi rangu; uye Israeri haana kutenderana neni.

12 Naizvozvo ndakavapa mukusindimara kwemoyo wavo, kuti vafambe mumazano avo.

13 Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera, Israeri aifamba munzira dzangu!

14 Nekukurumidza ndingadai ndaderedza vavengi vavo, nekushandukirira ruoko rwangu kuvadzivisi vavo.

15 Vanovenga Jehovha vanozviisa pasi pake nekunyepedzera; asi nguva yavo yaivapo nekusingaperi.

16 Waizovadyisawo gorosi rakaisvonaka; uye ndaikugutsa neuchi hunobva padombo.