ShonaTeam Psalms « 76 »

Mwari mukundi uye mutongi

Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

76Mwari anozikanwa kwaJudha; zita rake iguru kwaIsraeri.

2 PaSaremiwo pane dumbu rake, nenzvimbo yake yekugara paZiyoni.

3 Ipapo anovhuna miseve inopfuta yeuta, nhovo, nemunondo, nehondo. Sera.

4 Munobwinya, munoremekedzwa kupfuura makomo ezvakapambiwa.

5 Vakapambwa vakasimba pamoyo; vakarara hope dzavo; uye hakuna pamhare vakawana maoko avo.

6 Pakutsiura kwenyu, Mwari waJakove, zvose ngoro nebhiza zvinorara hope huru.

7 Imwi, iyemwi munotyisa; uye ndiani angamira pamberi penyu kubva panguva yekutsamwa kwenyu?

8 Makanzwisa mutongo kubva kudenga; nyika yakatya ndokunyarara,

9 Mwari paanomukira mutongo, kuponesa vose vanyoro venyika. Sera.

10 Zvirokwazvo, kutsamwa kwemunhu kuchakurumbidzai; muchasunga chiuno nemusiiwa wekutsamwa kukuru.

11 Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa.

12 Achagura mweya wemachinda; anotyisa kumadzimambo enyika.