ShonaTeam Psalms « 75 »

Mwari ndiye mutongi

Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

75Tinopa kuvonga kwamuri, Mwari; tinopa kuvonga kuti zita renyu riri pedo; vanorondedzera mabasa enyu anoshamisa.

2 Kana ndichigamuchira nguva yakatarwa, ini ndichatonga zvakarurama.

3 Nyika nevagari vayo vose zvanyauka; ini ndakasimbisa mbiru dzayo. Sera.

4 Ndakati kune vanozvikudza: Musava vanozvikudza. Nekune vakaipa: Regai kusimudza runyanga.

5 Regai kusimudza runyanga rwenyu kumusoro, uye kutaura nemutsipa mukukutu.

6 Nokuti kukudzwa hakubvi kumabvazuva, kana kumavirira, uye hakubvi kurenje.

7 Asi Mwari mutongi; anoninipisa umwe uye achikudza umwe.

8 Nokuti muruoko rwaJehovha mune mukombe; newaini inopupuma; uzere nemusanganiswa; uye anodurura kubva mauri; asi masese awo, vakaipa vose vepanyika vachaasvina vanwe.

9 Asi ini ndichaparidza nekusingaperi; ndiimbire Mwari waJakove rumbidzo.

10 Nenyanga dzose dzevakaipa ndichagura; nyanga dzevakarurama dzichasimudzwa.