ShonaTeam Psalms « 74 »

Kukumbira kuti Mwari abatsire vanhu vake

Masikiri yaAsafi.

74Mwari, sei makatirasa nekusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairirei makwai emafuro enyu?

2 Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, tsvimbo yenhaka yenyu yamakadzikinura; gomo iri reZiyoni makagara mariri.

3 Simudzirai tsoka dzenyu kukuparadza kukuru kunoenderera, zvose zvakaipa muvengi zvawakaita panzvimbo tsvene.

4 Vavengi venyu vakaomba pakati penzvimbo dzenyu dzekuungana; vakamisa zviratidzo zvavo kuva zviratidzo.

5Munhu anozikanwa seanosimudza masanhu musango remiti.

6 Asi ikozvino vanoputsa zvose zvakafomborwa zvayo nedimuro nedzinyundo.

7 Vakapa imba yenyu tsvene kumoto; zvakasvibisa nzvimbo yekugara yezita renyu kusvika muvhu.

8 Vakati mumoyo wavo: Ngativatsikirire pamwe chete; vakapisa nzvimbo dzose dzekuungana dzaMwari panyika.

9 Hationi zviratidzo zvedu; hapachina muporofita; uye pakati pedu hapana anoziva kuti kusvika rinhi.

10 Mwari, kusvika rinhi mudzivisi achishora? Muvengi achazvidza zita renyu nekusingaperi here?

11 Munodzoserei ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rwerudyi? Rwubvisei kubva mukati mechipfuva chenyu.

12 Zvakadaro Mwari ndiMambo wangu kubva kare, anoita ruponeso rukuru pakati penyika.

13 Ndimwi makapamura gungwa nesimba renyu; makaputsa misoro yemabukanana mumvura.

14 Ndimwi makaputsanya misoro yeRevhiyatani*; mukamupa kuva zvekudya zvevanhu murenje.

15 Ndimwi makapamura zvitubu nerukova; ndimwi makaomesa nzizi dzenguva dzose.

16 Zuva nderenyu, neusiku ndehwenyu; ndimwi makagadzira chiedza nezuva.

17 Ndimwi makamisa miganhu yose yepanyika; zhizha nechando makazviumba.

18 Rangarirai ichi; muvengi wakazvidza Jehovha; uye rudzi benzi rwakanyomba zita renyu.

19 Regai kupa mweya wenjiva yenyu kumhuka; musakanganwa chaunga chevatambudziki venyu nekusingaperi.

20 Cherekedzai sungano; nokuti nzvimbo dzine rima dzepanyika dzizere neugaro hwemanikidzo.

21 Anomanikidzwa ngaarege kudzoka achinyara; murombo nemushaiwi ngavarumbidze zita renyu.

22 Mukai, Mwari, mumiririre nyaya yenyu; murangarire kuzvidzwa kwenyu kubva kubenzi zuva rose.

23 Regai kukanganwa inzwi revavengi venyu; ruzha rwevanokumukirai rwunokwira nguva nenguva.