ShonaTeam Psalms « 73 »

Kutambudzika kwevakaipa

Pisarema raAsafi.

73Zvirokwazvo Mwari wakanaka kuna Israeri, kune vakachena pamoyo.

2 Asi kana ndiri ini, tsoka dzangu dzakapotsa dzaenda, nhanho dzangu dzakapotsa dzatedzemuka.

3 Nokuti ndaigodora vanozvikudza, ndaona kubudirira kwevakaipa.

4 Nokuti hapana zvisungo pakufa kwavo; uye muviri wavo wakakora.

5 Havasi mudambudziko remunhu; uye havatambudzwi nevanhu.

6 Naizvozvo kuzvikudza kunovakomberedza seruketani; kumanikidza kunovafukidza senguvo.

7 Meso avo anobuda nekukora; mirangariro yemoyo inofashamira.

8 Vanoseka, uye vanotaura zvakaipa nezvemanikidzo; vanotaura vari pakuzvikudza.

9 Vanomisa muromo wavo kupikisa matenga; nerurimi rwavo rwunofamba panyika.

10 Naizvozvo vanhu vake vanodzoka pano, uye mvura dzekuzara dzinosvinirwa ivo.

11 Zvino vanoti: Mwari anoziva sei? Uye kune ruzivo here kune Wekumusoro-soro?

12 Tarirai, ava ndevasina Mwari; zvakadaro vanobudirira panyika, vanowanza fuma.

13 Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, nekushambidza maoko angu mukusava nemhosva.

14 Nokuti zuva rose ndakatambudzwa, nekurangwa kwangu mangwanani oga-oga.

15 Kana ndaiti: Ndichataura seizvi; tarirai, ndingadai ndakanyengera zera revanakomana venyu.

16 Pandinorangarira kuziva izvi, zvinondirwadza pameso pangu.

17 Kusvika ndapinda panzvimbo tsvene dzaMwari, ndakanzwisisa kuguma kwavo.

18 Zvirokwazvo munovamisa panzvimbo dzinotedza; munovawisira mukuparadza kukuru.

19 Haiwa, kuparara kwavo kwakaita sekubwaira kweziso! Vanopera vapedzwe nezvinotyisa.

20 Sechiroto pakupepuka, Ishe, pamunomuka muchazvidza mufananidzo wavo.

21 Saizvozvo moyo wangu wakarwadziwa, uye ndakabaiwa paitsvo dzangu.

22 Uye ndakava benzi risingazivi, ndakava mhuka kwamuri.

23 Zvakadaro ndinemwi nguva nenguva; makabata ruoko rwangu rwerudyi.

24 Muchanditungamirira nezano renyu, uye shure kweizvozvo munondigamuchira mukubwinya.

25 Ndinaani kudenga, kunze kwenyu? Uye hakuna chandinoshuva panyika kunze kwenyu.

26 Nyama yangu nemoyo wangu zvinopera; Mwari ndiye dombo remoyo wangu nemugove wangu kusvika rinhi narinhi.

27 Nokuti tarirai, avo vari kure nemwi vachaparara; makaparadza vose vanopomba vachibva kwamuri.

28 Asi ini, zvakandinakira kuswedera kuna Mwari; ndakaisa utiziro hwangu kuna Ishe Jehovha, kurondedzera zviito zvenyu zvose.