ShonaTeam Psalms « 72 »

Ukuru hwaMambo

Pisarema raSoromoni.

72Mwari, ipai mambo mitongo yenyu, nekururama kwenyu kumwanakomana wamambo.

2 Achatonga vanhu venyu nekururama, nevarombo venyu nemutongo wakarurama.

3 Makomo achavigira vanhu rugare, nezvikomo mukururama.

4 Achatonga varombo vevanhu, achaponesa vana vevashaiwi, nekupwanya mumanikidzi.

5 Vachakutyai kana zuva richingovapo, nemwedzi uchingovapo, kumazera nemazera.

6 Achaburuka semvura pauswa hwakaguririrwa, sekunaya kunodiridza pasi.

7 Pamazuva ake wakarurama achatunga, nekuwanda kwerugare, kusvika mwedzi usisipo.

8 Achatongawo kubva pagungwa kusvika pagungwa, uye kubva parwizi kusvika pamigumo yenyika.

9 Avo vanogara murenje vachafugama pamberi pake; uye vavengi vake vachananzva guruva.

10 Madzimambo eTarishishi neezviwi achaunza mutero; madzimambo eShebha neSebha vachaswededza zvipo.

11 Hongu, madzimambo ose achakotamira pasi pamberi pake; marudzi ose achamushumira.

12 Nokuti achanunura mushaiwi kana achidana; nemurombo kana asina mubatsiri.

13 Achanzwira tsitsi murombo nemushaiwi, uye achaponesa mweya yevashaiwi.

14 Achadzikinura mweya wavo pakumanikidzwa nepautsinye; uye ropa ravo richava rakakosha pameso ake.

15 Zvino achararama, uye kwaari kuchapiwa zvegoridhe reShebha; nemunyengetero uchaitirwa iye nguva nenguva; acharumbidzwa zuva rose.

16 Kuchava nekuwanda kwezviyo panyika panhongonya dzemakomo; zvibereko zvazvo zvichazuzika seRebhanoni; uye vachabuka kubva muguta seuswa hwenyika.

17 Zita rake richavapo kusvika pakusingaperi, uye zita rake richawedzera kana zuva richingovapo. Uye vacharopafadzwa maari, marudzi ose achamuti: Wakaropafadzwa.

18 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari, Mwari waIsraeri, iye oga anoita zvishamiso.

19 Ngarirumbidzwe zita rake rine rukudzo kusvika rinhi narinhi; nyika yose yakazara nerukudzo rwake, Ameni, uye Ameni.

20 Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.