ShonaTeam Psalms « 71 »

Munyengetero wemutana

71Kwamuri, Jehovha, ndinotizira; ngandirege kunyadziswa kusvika rinhi narinhi.

2 Ndinunurei mukururama kwenyu, uye mundipukunyutse; rerekai nzeve yenyu kwandiri, mugondiponesa.

3 Ivai kwandiri dombo rekugara, rekupinda nguva nenguva; makapa murairo kundiponesa, nokuti muri dombo rangu nenhare yangu.

4 Mwari wangu, ndinunurei kubva muruoko rwewakaipa, kubva muruoko rweasina kururama neane utsinye.

5 Nokuti imwi muri tariro yangu, Ishe Jehovha, chivimbo changu kubva paudiki hwangu.

6 Ndakazendama pamuri kubva muchizvaro; ndimwi makandibudisa muchibereko chamai vangu; rumbidzo yangu iri kwamuri nguva nenguva.

7 Ndanga ndiri sechishamiso kuvazhinji; asi imwi muri utiziro hwangu hwakasimba.

8 Muromo wangu ngauzadzwe nerumbidzo yenyu, zuva rose nekubwinya kwenyu.

9 Regai kundirasa panguva yekukwegura; musandisiya pakupera kwesimba rangu.

10 Nokuti vavengi vangu vanondireva; nevanovandira mweya weupenyu wangu, vanorangana zano,

11 vachiti: Mwari wamusiya; dzingirirai mumubate, nokuti hakuna mununuri.

12 Mwari, musava kure neni; Mwari wangu, kurumidzirai rubatsiro rwangu.

13 Ngavanyadziswe vapere avo vari vavengi vemweya weupenyu wangu; vanotsvaka kukuvara kwangu ngavafukidzwe nekushorwa nekuzvidzwa.

14 Asi ini ndicharamba ndichivimba, uye ndichawedzera parumbidzo yenyu yose.

15 Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu, zuva rose ruponeso rwenyu, nokuti handizivi uwandu hwazvo.

16 Ndichafamba mumasimba aShe Jehovha; ndinotaura kururama kwenyu, kwenyu koga.

17 Mwari, makandidzidzisa kubva paudiki hwangu; uye kusvika ikozvino ndinozivisa zvishamiso zvenyu.

18 Uyewo pandinenge ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari, musandisiya, kusvika ndazivisa chanza chenyu kuzera, simba renyu kune wose achauya.

19 Kururama kwenyuwo, Mwari, kusvika panhongonya, anoita zvinhu zvikuru, Mwari, ndiani wakaita semwi?

20 Wakandionesa matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchandimutsiridzazve, mugondikwidzazve kubva paudziku ukuru hwepasi.

21 Muchawedzera ukuru hwangu, mundinyaradze mativi ose.

22 Neni ndichakurumbidzai nechiridzwa chemutengeranwa, chokwadi chenyu, Mwari wangu; ndichakuimbirai rumbidzo nembira, imwi Mutsvene waIsraeri.

23 Miromo yangu ichapururudza pandichakuimbirai rumbidzo, nemweya weupenyu wangu wamakadzikinura.

24 Nerurimi rwangu rwuchataura zuva rose kururama kwenyu, nokuti vanonyara, nokuti vashoreka, vanotsvaka kukuvara kwangu.