ShonaTeam Psalms « 67 »

Rwiyo rwekuvonga

Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Pisarema, rwiyo.

67Mwari ngaave netsitsi kwatiri, uye atiropafadze; ngaavhenekerese chiso chake patiri. Sera.

2 Kuti nzira yenyu izikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pemarudzi ose.

3 Marudzi ngaakurumbidzei, Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

4 Marudzi ngaafare uye aimbe nekupembera nokuti muchatonga vanhu zvakarurama; uye munotungamirira marudzi panyika. Sera.

5 Marudzi ngaakurumbidzei, Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

6 Nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, Mwari wedu achatiropafadza.

7 Mwari achatiropafadza; uye migumo yose yenyika ichamutya.