ShonaTeam Psalms « 66 »

Kurumbidza Mwari nekumuvonga

Kumutungamiriri wekuimba. Rwiyo. Pisarema.

66Pururudzai kuna Mwari, imwi nyika yose.

2 Imbirai kubwinya kwezita rake; muite rukudzo rwake rwuve nekubwinya.

3 Itii kuna Mwari: Mabasa enyu anotyisa sei! Kubudikidza neukuru hwesimba renyu vavengi venyu vachazviisa pasi penyu neunyengeri.

4 Nyika yose ichakushumirai, uye ichakuimbirai; ichaimba zita renyu. Sera.

5 Uyai muone mabasa aMwari; anotyisa pakuita kuvana vevanhu.

6 Anoshandura gungwa kuva nyika yakaoma; vakayambuka rwizi netsoka. Ipapo takafara maari.

7 Anotonga nesimba rake rinhi narinhi; meso ake anorinda marudzi; vapanduki ngavarege kuzvikudza. Sera.

8 Vongai Mwari wedu, marudzi, uye munzwise inzwi rerumbidzo yake.

9 Iye wakaisa mweya weupenyu wedu muupenyu, uye asina kubvuma kuti tsoka yedu itedzemuke.

10 Nokuti makatiedza, Mwari; makatinatsa sekunatswa kwesirivha.

11 Makatipinza mumumbure; makaisa dambudziko pazviuno zvedu.

12 Makatasvisa munhu pamusoro pemusoro wedu; takapinda nemumoto nemumvura; asi makatibudisira kunzvimbo ine zvakawanda.

13 Ndichapinda mumba menyu nezvipo zvinopiswa; ndichakuripirai mhiko dzangu;

14 miromo yangu dzayakareva, uye muromo wangu dzawakataura ndiri mudambudziko.

15 Ndichapa kwamuri zvibairo zvinopiswa zvezvakakora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvemakondohwe; ndichapa nzombe pamwe nembudzi zhinji. Sera.

16 Uyai munzwe, imwi mose munotya Mwari, zvino ndicharondedzera zvaakaitira mweya weupenyu wangu.

17 Ndakachema kwaari nemuromo wangu, zvino akakudzwa pasi perurimi rwangu.

18 Kana ndaitarisa uipi mumoyo mangu, Ishe haazaindinzwa.

19 Zvirokwazvo Mwari wakanzwa; wakateerera kuinzwi remunyengetero wangu.

20 Ngaavongwe Mwari, iye asina kutsausa munyengetero wangu, kana tsitsi yake kubva kwandiri.