ShonaTeam Psalms « 65 »

Dhavhidhi anorumbidza Mwari

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema. Rwiyo rwaDhavhidhi.

65Kumirira murunyararo irumbidzo kwamuri, Mwari, paZiyoni; uye mhiko dzichazadziswa mamuri.

2 Munzwi wemunyengetero, nyama yose ichauya kwamuri.

3 Zvinhu zveuipi zvandikunda; zvitadzo zvedu, imwi muchazviitira chiyananiso.

4 Wakaropafadzwa wamunosarudza uye wamunoswededza kuti agare pavazhe dzenyu; tichagutiswa neunaku hweimba yenyu, tembere yenyu tsvene.

5 Mukururama munotipindura zvinhu zvinotyisa, Mwari weruponeso rwedu, tariro yemigumo yose yenyika, neye vari kure kugungwa.

6 Anomisa makomo nekugwinya kwake, akasunga chiuno nesimba.

7 Anonyaradza kutinhira kwemakungwa, iko kutinhira kwemafungu awo, nebope revanhu.

8 Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; munoimbisa mangwanani nemadekwani nemufaro.

9 Munoshanyira nyika nekuidiridza; munoifumisa zvikuru; rwizi rwaMwari ruzere nemvura; munovagadzirira zviyo, kana maigadzira saizvozvo.

10 Munodiridza mihoronga yayo kwazvo; munoenzanisa mipanje yayo; munoinyorovesa nekupfunha; munoropafadza kumera kwayo.

11 Munoshongedza mwaka nekorona yeunaku hwenyu; uye makwara enyu anodonha mafuta.

12 Anodonhera pamafuro erenje; nezvikomo zvinozvisunga nemufaro.

13 Mafuro akapfekedzwa mapoka ezvipfuwo; uye mipata yakafukidzwa nezviyo; zvinopururudza, uye zvinoimba.