ShonaTeam Psalms « 63 »

Dhavhidhi anoshuva Jehovha

Pisarema raDhavhidhi, paaiva murenje raJudha.

63Mwari, muri Mwari wangu, ndichakutsvakai mangwanani; mweya weupenyu wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, panyika yakaoma, yakasakara, isina mvura.

2 Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, kuti ndione simba renyu nekubwinya kwenyu.

3 Nokuti rudo rweunyoro hwenyu rwuri nani pane upenyu; miromo yangu ichakurumbidzai.

4 Saizvozvo ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu; ndichasimudza maoko angu muzita renyu.

5 Mweya weupenyu wangu uchaguta nezvinenge mafuta nezvakakora; uye muromo wangu ucharumbidza nemiromo inofadza.

6 Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, pazvirindo ndinokufungai.

7 Nokuti manga muri rubatsiro rwangu; naizvozvo pamumvuri wemapapiro enyu ndichaimba ndifare.

8 Mweya weupenyu wangu unonamatira shure kwenyu; ruoko rwenyu rwerudyi rwunonditsigira.

9 Asi avo, vanotsvaka mweya weupenyu wangu kuparadza, vachaenda munzvimbo dzepasi dzenyika.

10 Vachakumikidzwa kusimba remunondo; vachava mugove wemakava.

11 Asi mambo achafara muna Mwari; umwe neumwe anopika naye achazvikudza; asi muromo wevanoreva nhema uchadzivirwa.