ShonaTeam Psalms « 62 »

Kunyarara kwemweya wemunhu anovimba naMwari

Kumutungamiriri wekuimba; neJedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

62Zvirokwazvo, mweya weupenyu wangu unorindira Mwari murunyararo; ruponeso rwangu rwunobva kwaari.

2 Ndiye oga dombo rangu, neruponeso rwangu, shongwe yangu; handingazununguswi zvikuru.

3 Kusvika rinhi muchindirongera zvakaipa nemunhu? Mose muchaurawa, serusvingo rwakarereka, ruzhowa rwunotsveyama.

4 Vanoronga koga kumusunda kubva kuukuru hwake; vanofarira nhema; nemuromo wavo vanoropafadza, asi mukati mavo vanotuka. Sera.

5 Mweya weupenyu wangu, rindira Mwari koga murunyararo, nokuti tariro yangu inobva kwaari.

6 Ndiye oga dombo rangu, neruponeso rwangu, shongwe yangu; handingazununguswi.

7 Ruponeso rwangu nerukudzo rwangu zviri kuna Mwari; dombo resimba rangu, utiziro hwangu, zviri kuna Mwari.

8 Vimbai naye nenguva dzose, vanhu; dururai moyo wenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera.

9 Zvirokwazvo vanakomana vevanhu hachisi chinhu, vanakomana vemunhu unyepi; pazviyero vakareruka kupfuura zvisina maturo pamwe chete.

10 Regai kuvimba nemanikidzo, uye musamisa tariro isina maturo paupambi; kana fuma ichiwanda, musaisa moyo pairi.

11 Mwari wakataura kamwe, ndakanzwa izvi kaviri, kuti simba nderaMwari.

12 Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; nokuti imwi munoripira umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.