ShonaTeam Psalms « 61 »

Dhavhidhi anovimba naMwari pakutambudzika kwake

Kumutungamiriri wekuimba. Nemutengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

61Inzwai, Mwari, kuchema kwangu; teererai kumunyengetero wangu.

2 Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wepanyika, kana moyo wangu wopera; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundidarika.

3 Nokuti manga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba kubva pamuvengi.

4 Ndichagara mutende renyu rinhi narinhi; ndichatizira kunzvimbo yekuvanda yemapapiro enyu. Sera.

5 Nokuti imwi Mwari, makanzwa mhiko dzangu; makandipa nhaka yeavo vanotya zita renyu.

6 Muchawedzera mazuva pamazuva amambo; makore ake achava sezera nezera.

7 Achagara pamberi paMwari rinhi narinhi; mugadze ngoni nechokwadi kuti zvimuchengete.

8 Naizvozvo ndichaimbira zita renyu rumbidzo kusvika rinhi narinhi, kuti ndizadzise mhiko dzangu zuva nezuva.