ShonaTeam Psalms « 60 »

Munyengetero wekukumbira kubatsirwa nekukunda

Kumutungamiriri wekuimba; paShushani Edhuti. Mikitami yaDhavhidhi, kudzidzisa; paairwa naArami-Naharaimi naArami-Zobha, Joabhu paakadzoka akarova vaEdhomu paMupata weMunyu, zvuru gumi nezviviri.

60Mwari, manga makatirasa, makatiputikira; makatsamwa; dzokerai kwatiri.

2 Makabvundisa nyika; makaitsemura; poresai mitswe yayo; nokuti inozununguka.

3 Makaratidza vanhu venyu zvakaoma; makatinwisa waini yekudzadzarika.

4 Makapa mureza kune vanokutyai, kuti usimudzwe nekuda kwechokwadi. Sera.

5 Kuti vadikanwi venyu vanunurwe; ponesai neruoko rwenyu rwerudyi, uye ndipindurei.

6 Mwari wakataura pautsvene hwake. Ndichapembera; ndichagova Shekemu, uye ndichayera mupata weSukoti.

7 Giriyadhi nderangu, uye Manase ndewangu; Efuremuwo inhare yemusoro wangu; Judha mupi wangu wemurau.

8 Moabhu mudziyo wangu wekushambira; pamusoro peEdhomu ndichakandira shangu yangu; Firisitia, pururudza nekukunda nekuda kwangu.

9 Ndiani achandiisa muguta rakasimba? Ndiani achanditungamirira kuEdhomu?

10 Hamuna kutirasa here, Mwari, uye hamubudi, Mwari, nedzihondo dzedu?

11 Tipei rubatsiro padambudziko, nokuti ruponeso rwemunhu harwuna maturo.

12 Muna Mwari tichaita neumhare, nokuti ndiye achatsikira vavengi vedu pasi.