ShonaTeam Psalms « 59 »

Munyengetero wekukumbira kununurwa pavavengi

Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Mikitani yaDhavhidhi. Sauro paakatuma, uye vakarinda imba kumuuraya.

59Ndinunurei pavavengi vangu, Mwari wangu; ndiise pakakwirira kubva pane vanondimukira.

2 Ndinunurei kubva kuvaiti vezvakaipa, uye ndiponesei pavanhu veropa.

3 Nokuti tarirai, vanovandira mweya weupenyu wangu; vane simba vakaunganira kundirwisa, pasina chitadzo changu uye pasina chivi changu, Jehovha.

4 Vanomhanya nekuzvigadzirira pasina mhosva; mukai, mundibatsire, muone.

5 Naizvozvo imwi Jehovha Mwari wedzihondo, Mwari waIsraeri, mukai kuti mushanyire vahedheni vose; musanzwira tsitsi umwe wevanyengeri pauipi. Sera.

6 Vanodzoka madekwani, vanoita kuhuhudza seimbwa, ndokupoteredza guta.

7 Tarirai, vanodzvova nemiromo yavo, minondo iri pamiromo yavo, nokuti vanoti: Ndiani anonzwa?

8 Asi imwi Jehovha muchavaseka, muchatuka vahedheni vose.

9Nekuda kwesimba rake ndichakurindirai; nokuti Mwari inhare yangu.

10 Mwari wengoni dzangu achanditangira; Mwari achandionesa chishuwo changu pavavengi vangu.

11 Musavauraya, zvimwe vanhu vekwedu vakanganwe; vadzungaidzei nesimba renyu, uye muvaburusire pasi, imwi Jehovha, nhovo yedu.

12Nechivi chemuromo wavo, neshoko remiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, uye nekuda kwekunyomba nekutaura nhema dzavanorondedzera.

13Vapedzei muhasha, vapedzei vasavapo, kuti vazive kuti Mwari anotonga kwaJakove kusvika kumigumo yenyika. Sera.

14 Zvino ngavadzoke pamadekwani, ngavahuhudze seimbwa, uye vapoteredze guta.

15 Ngavadzungairire kudya; kana vasina kuguta ngavapedze usiku vachidaro.

16 Asi ini ndichaimbira simba renyu; hongu ndichaimbira tsitsi dzenyu zvikuru mangwanani, nokuti manga muri nhare yangu neutiziro pazuva rekutambudzika kwangu.

17 Ndichakuimbirai nziyo dzekurumbidza, imwi simba rangu; nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, Mwari wetsitsi dzangu.