ShonaTeam Psalms « 57 »

Munyengetero wekukumbira kununurwa

Kumutungamiriri wekuimba. Aritasheti. Mikitani yaDhavhidhi. Pakutiza kwake Sauro pabako.

57Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; nokuti mweya weupenyu wangu unovimba nemwi; uye ndichatizira kumumvuri wemapapiro enyu, kusvika mharadzo dzapfuura.

2 Ndichachema kuna Mwari Wekumusoro-soro, kuna Mwari anondizadzisira.

3 Achatuma ari kumatenga, ndokundiponesa, anonyomba anondimedza. Sera. Mwari achatuma tsitsi dzake nechokwadi chake.

4 Mweya weupenyu wangu uri pakati peshumba; ndinorara pakati pevanopfuta, vanakomana vevanhu, mazino avo mapfumo nemiseve, uye rurimi rwavo munondo unopinza.

5 Ivai makakwirira kumusoro kwekumatenga, Mwari; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6 Vakagadzirira tsoka dzangu mumbure; mweya weupenyu wangu wakakotama; vakachera gomba pamberi pangu; vakawira mukati maro. Sera.

7 Moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba ndipe rumbidzo.

8 Muka iwe, rukudzo rwangu; muka iwe, mutengeranwa nembira! Ndichamuka mangwanani.

9 Ndichakurumbidzai pakati pevanhu, Ishe. Ndichaimba kwamuri pakati pevahedheni.

10 Nokuti tsitsi dzenyu ihuru kusvika kumatenga, nekutendeka kwenyu kusvika kumakore.

11 Ivai makakwirira kumusoro kwekumatenga, Mwari; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.