ShonaTeam Psalms « 55 »

Dhavhidhi anochema pakutambudzika kwake

Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Masikiri. Pisarema raDhavhidhi.

55Ipai nzeve, Mwari, kumunyengetero wangu, uye musazvivanza pamukumbiro wangu.

2 Teererai kwandiri, uye ndipindurei. Ndinodzungaira mukuchema kwangu, ndinoita rukunga;

3 nekuda kweinzwi remuvengi, nekuda kwemanikidzo yewakaipa; nokuti vakandiwisira zvakaipa, uye vanondivenga nehasha.

4 Moyo wangu unorwadziswa kwazvo mukati mangu; uye magarudzo erufu akandiwira.

5 Kuvhunduka nekubvunda zvakandisvikira; uye kutya kukuru kwakandifukidza.

6 Zvino ndakati: Dai ndaiva nemapapiro senjiva! Ndaibhururukira kure, ndikanozorora.

7 Tarirai, ndaitizira kure ndikanogara murenje. Sera.

8 Ndaikurumidza kupukunyuka kwangu kubva pamhepo inovhuvhuta, kubva padutu guru remhepo.

9 Paradzai, Ishe, paradzanisai rurimi rwavo, nokuti ndakaona manikidzo negakava muguta.

10 Masikati neusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; uye uipi nedambudziko zviri pakati paro.

11 Uipi huri mukati maro; uye manikidzo neunyengeri hazvibvi mumugwagwa waro.

12 Nokuti haasi muvengi wakandishora; dai zvakadaro ndaizvitakura; haasi anondivenga anozvikudza pamusoro pangu; kana zvakadaro ndaimuvanda.

13 Asi ndiwe, munhu wakaenzana neni, shamwari yangu nemuzikanwi wangu.

14 Tairairana zvinotapira tiri pamwe chete; takaenda muimba yaMwari muchaunga.

15 Rufu ngaruvanyangire; ngavaburukire kugehena vari vapenyu; nokuti zvakaipa zviri munzvimbo dzavo dzekugara, mukati mavo.

16 Kana ndiri ini, ndichadana kuna Mwari; uye Jehovha achandiponesa.

17 Madekwani nemangwanani nemasikati ndichagunun'una ndichiungudza; uye achanzwa inzwi rangu.

18 Wakanunura mweya weupenyu wangu murugare kubva pahondo yekundirwisa; nokuti vaiva pavazhinji vanondipikisa.

19 Mwari achanzwa, achavatambudza, iye aiva agere kare. Sera. Nokuti havana shanduko zhinji, naizvozvo havatyi Mwari.

20 Wakatandavadza maoko ake kurwisa vane rugare naye; wakasvibisa sungano yake.

21 Muromo wake waitedza seruomba, izvo moyo wake ihondo; mashoko ake aiva akanyorova kupfuura mafuta, asi iwo minondo yakavhomorwa.

22 Kanda mutoro wako pamusoro paJehovha, uye iye achakutsigira; haabvumi rinhi narinhi kuti wakarurama azungunuswe.

23 Asi imwi, Mwari, muchavaburusira kugomba rekuparadzwa; vanhu veropa neunyengeri havangararami hafu yemazuva avo. Asi ini ndichavimba nemwi.