ShonaTeam Psalms « 54 »

Dhavhidhi anonyengetera kuti anunurwe pavavengi vake

Kumutungamiriri wekuimba; nemitengeranwa. Masikiri. Pisarema raDhavhidhi. VaZifi pavakauya vakati kuna Sauro: Dhavhidhi haazinovanda kwatiri here?

54Mwari, ndiponesei nezita renyu, uye nditongei nesimba renyu.

2 Mwari, inzwai munyengetero wangu; ipai nzeve pamashoko emuromo wangu.

3 Nokuti vatorwa vandimukira, uye vamanikidzi vanotsvaka mweya weupenyu wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo. Sera.

4 Tarirai, Mwari mubatsiri wangu. Ishe ari pane vanotsigira mweya weupenyu wangu.

5 Achatsiva uipi kuvavengi vangu; vapedzei muchokwadi chenyu.

6 Ndichakubairai chipo nekuzvidira; ndicharumbidza zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.

7 Nokuti wakandinunura kubva mudambudziko rose; uye ziso rangu rakaona chishuwo changu pavavengi vangu.