ShonaTeam Psalms « 53 »

Vanhu vose vakashata

Kumutungamiriri wekuimba. NeMaharati. Masikiri. Pisarema raDhavhidhi.

53Benzi rakati mumoyo maro: Hakuna Mwari. Vakaodza, vakaita uipi hunonyangadza; hakuna anoita zvakanaka.

2 Mwari wakatarisa pasi ari kumatenga pamusoro pevanakomana vevanhu, kuona kana pane anonzwisisa, anotsvaka Mwari.

3 Umwe neumwe wavo wakadzokera shure; vakasvibiswa pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, hakuna neumwe.

4 Vaiti vezvakaipa havana zivo here? Avo vanodya vanhu vangu sevanodya chingwa. Havadani Mwari.

5 Ipapo vaitya zvekutya, pasina chinotyisa; nokuti Mwari wakaparadzira mapfupa eanokudzikirai musasa; makavanyadzisa; nokuti Mwari wakavazvidza.

6 Dai ruponeso rukuru rwaIsraeri rwaibva paZiyoni! Mwari paanodzosa utapwa hwevanhu vake, Jakove achafara, Israeri achapembera.