ShonaTeam Psalms « 52 »

Kushaya maturo kwekuzvikudza nekuita zvakaipa

Kumutungamiriri wekuimba. Masikiri. Pisarema raDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakauya achiudza Sauro, ndokuti kwaari: Dhavhidhi wasvika paimba yaAhimereki.

52Unozvirumbidzirei nezvakaipa, mhare? Tsitsi dzaMwari dziripo mazuva ose.

2 Rurimi rwako runoronga kuparadza kukuru, sechisvo chinopinza, rwunoita unyengeri.

3 Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka, nhema kupfuura kutaura zvakarurama. Sera.

4 Unoda mashoko ose ekuparadza, rurimi rwunonyengera.

5 Saizvozvo Mwari achakuputsa nekusingaperi; achakubata akubvise, akuvhomore kubva patende, nekukudzura kubva panyika yevapenyu. Sera.

6 Zvino vakarurama vachaona uye vachatya, uye vachamuseka, vachiti:

7 Tarirai, munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi wakavimba neuwandu hwefuma yake; akasimba muuipi hwake.

8 Asi ini ndakaita semuorivhi munyoro muimba yaMwari; ndakavimba netsitsi dzaMwari nekusingaperi-peri.

9 Ndichakuvongai nekusingaperi, nokuti makazviita; uye ndichamirira zita renyu nokuti rakanaka pamberi pevatsvene venyu.