ShonaTeam Psalms « 51 »

Rwiyo rwekuchema zvivi

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi, Natani muporofita paakasvika kwaari, shure kwekunge apinda kuna Bhati-Shebha.

51Ndinzwirei tsitsi, Mwari, zvichienderana nerudo rweunyoro hwenyu; zvichienderana neuwandu hwengoni dzenyu, dzimai zvitadzo zvangu.

2 Ndisukei kwazvo kubva pauipi hwangu, uye ndinatsei kubva pachivi changu.

3 Nokuti zvitadzo zvangu ini ndinoziva, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4 Ndakatadza kwamuri, kwamuri moga, uye ndakaita chakaipa pameso penyu; kuti kunzi makarurama pakutaura kwenyu, makachena pakutonga kwenyu.

5 Tarirai, ndakaberekerwa muuipi; uye mai vangu vakagamuchira nhumbu yangu muzvivi.

6 Tarirai munoda chokwadi mune zvemukati; nepakavanda munondizivisa uchenjeri.

7 Ndinatsei nehisopi, zvino ndichava wakachena; ndishambidzei, zvino ndichava wakachena kupfuura magada echando.

8 Ndinzwisei mufaro nekupembera, kuti mapfupa amakavhuna afare.

9 Vanzai chiso chenyu kubva pazvivi zvangu, uye dzimai zvakaipa zvangu zvose.

10 Ndisikirei moyo wakachena, Mwari; uye vandudzai mukati mangu mweya wakasimba.

11 Regai kundirasa kubva pachiso chenyu; uye musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.

12 Dzoserai kwandiri mufaro weruponeso rwenyu, uye nditsigirei nemweya unoda.

13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

14 Ndinunurei pamhosva yeropa, Mwari, Mwari weruponeso rwangu; rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu zvikuru.

15 Ishe, zarurai miromo yangu; zvino muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.

16 Nokuti hamudi chibairo; nokuti ndingadai ndapa; hamufariri chipo chinopiswa.

17 Zvibairo zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika newakapwanyika, Mwari, hamungashori.

18 Itirai Ziyoni zvakanaka mukuda kwenyu; vakai masvingo eJerusarema.

19 Ipapo muchafadzwa nezvibairo zvekururama, nechipo chinopiswa, nechipo chose chinopiswa; ipapo vachapa nzombe zhinji pamusoro pearitari yenyu.