ShonaTeam Psalms « 50 »

Kushumira Mwari kwechokwadi

Pisarema raAsafi.

50Mwari wevamwari, Jehovha, wakataura, nekudana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvika pakuvira kwaro.

2 Ari muZiyoni, kuperera kwekunaka, Mwari wakapenya.

3 Mwari wedu achauya, uye haanganyarari; moto pamberi pake uchaparadza; uye kuchava nedutu guru remhepo kumativi ake ose.

4 Achadana kumatenga ari kumusoro, nepanyika, kutonga vanhu vake.

5 Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri, avo vakaita sungano neni nechibairo.

6 Zvino matenga achaparidza kururama kwake, nokuti Mwari mutongi amene. Sera.

7 Inzwai, vanhu vangu, zvino ndichataura; Israeri, zvino ndichakupupurira; ndini Mwari, Mwari wako.

8 Handingakumhuri nekuda kwezvibairo zvako, kana zvipo zvako zvinopiswa zvinogara pamberi pangu.

9 Handingatori nzombe diki kubva paimba yako, kana nhongo dzembudzi kubva pazvirugu zvako.

10 Nokuti mhuka imwe neimwe yesango ndeyangu, mombe zhinji pamakomo ane churu.

11 Ndinoziva shiri imwe neimwe yemakomo, nemhuka dzesango dzineni.

12 Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza, nokuti nyika ndeyangu, nekuzara kwayo.

13 Ndingadya nyama yehando here, kana kunwa ropa rembudzi?

14 Bairai kuna Mwari chibairo chekuvonga, uye zadzisa mhiko dzako kuna Wekumusoro-soro.

15 Uye dana kwandiri pazuva redambudziko. Ndichakununura ugondirumbidza.

16 Asi kune wakaipa Mwari anoti: Unei nazvo kuti urondedzere zvimiso zvangu, kuti utore sungano yangu pamuromo wako?

17 Iwe zvaunovenga kurairwa, nekurasira mashoko angu shure kwako.

18 Kana uchiona mbavha, unofarirana nayo; nemugove wako uri pamhombwe.

19 Unotuma muromo wako kune zvakaipa, nerurimi rwako rwunobatanidza unyengeri.

20 Unogara, uchitaura kurwisa hama yako; unopa mhosva mwanakomana wamai vako.

21 Wakaita izvi ndikanyarara; wakafunga kuti ndakangofanana newe; ndakakutsiura, ndikakurongedzera pamberi pemeso ako.

22 Cherekedzai henyu izvi, imwi munokanganwa Mwari, zvimwe ndibvamburanye kukasava nemununuri.

23 Anopa chipo chekuvonga anondirumbidza; neanogadzira nzira yake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.