ShonaTeam Psalms « 49 »

Zvose zvepanyika zvinopfuura

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema revanakomana vaKora.

49Inzwai chinhu ichi, vanhu vose. Ipai nzeve, vagari vose vepanyika.

2 Zvose vakaderera nevakakwirira, mufumi nemurombo pamwe chete.

3 Muromo wangu uchataura zvenjere; uye murangariro wemoyo wangu uchava njere zhinji.

4 Ndicharerekera nzeve yangu kufananidzo; ndichadudza dimikira rangu nembira.

5 Ndichatyirei pamazuva ezvakaipa, kana uipi hwevari pazvitsitsinho zvangu huchindikomberedza?

6 Vanovimba nefuma yavo, nekuzvikudza pakuwanda kwefuma yavo:

7 Munhu haatongodzikunuri hama yake, haangapi Mwari rudzikunuro rwake,

8 (nokuti rudzikunuro rwemweya weupenyu wavo rwunokosha, uye rwunopera nekusingaperi),

9 kuti arambe ari mupenyu nekusingaperi, asaona kuora.

10 Nokuti anoona kuti vachenjeri vanofa, benzi neasina njere vanoparara pamwe, uye vasiira vamwe fuma yavo.

11 Murangariro wavo wechemukati ndiwo kuti dzimba dzavo dzive dzekusingaperi, nzvimbo dzavo dzekugara dzive dzemazera ose; vanotumidza nyika zhinji mazita avo.

12 Asi munhu ane rukudzo haangagari; anofanana nemhuka dzinoguma.

13 Iyi nzira yavo upenzi hwavo; zvakadaro vanovatevera vanofara nemuromo wavo. Sera.

14 Semakwai vakatarirwa guva, rufu rwuchavafudza; uye vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo ndechekupedzwa neguva, kuti vasava nenzvimbo yekugara.

15 Asi Mwari achadzikinura mweya weupenyu wangu kubva pasimba reguva, nokuti achandigamuchira. Sera.

16 Usatya kana munhu achifumiswa, kana kukudzwa kweimba yake kuchiwedzerwa.

17 Nokuti pakufa haangatakuri chinhu; kukudzwa kwake hakungaburuki kuchimutevera.

18 Kunyange paupenyu hwake airumbidza mweya weupenyu wake, uye vakakurumbidza nokuti unozviitira zvakanaka,

19 achaenda kuzera remadzibaba ake; havangaoni chiedza kusvika pakusingaperi.

20 Munhu anokudzwa, uye asinganzwisisi, wakafanana nemhuka dzinoparara.