ShonaTeam Psalms « 48 »

Ziyoni guta raMambo Mukuru

Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.

48Mukuru Jehovha, uye ndewekurumbidzwa kukuru, muguta raMwari wedu, gomo rake dzvene.

2 Rakanaka pakukwirira, mufaro wenyika yose igomo reZiyoni, pamativi ekumaodzanyemba, guta raMambo mukuru.

3 Pamizinda yake Mwari anozikanwa kuti inhare.

4 Nokuti tarirai, madzimambo akaungana, akapfuura pamwe chete.

5 Ivo vakariona, saka vakashamiswa, vakavhunduka, vakakurumidza kutiza.

6 Kudedera kwakavabatapo; kurwadziwa sekwemukadzi anopona.

7 Munoputsa zvikepe zveTarishishi nemhepo yemabvazuva.

8 Sezvatakanzwa, saizvozvo takaona muguta raJehovha wehondo, muguta raMwari wedu; Mwari acharisimbisa nekusingaperi. Sera.

9 Takafunga zverudo rweunyoro hwenyu, Mwari, mukati metembere yenyu.

10 Sezita renyu Mwari, ndizvo zvakaita rumbidzo yenyu kusvika kumigumo yenyika; ruoko rwenyu rwerudyi rwuzere nekururama.

11 Gomo reZiyoni ngarifare, vakunda vaJudha ngavafarisise, nekuda kwemitongo yenyu.

12 Poteredzai Ziyoni, muritenderedze; muverenge shongwe dzaro.

13 Isai moyo yenyu kurusvingo rwaro, gurai muongorore mizinda yaro, kuti murondedzere zera rinotevera.

14 Nokuti Mwari uyu ndiMwari wedu rinhi narinhi; iye achatitungamirira kusvika parufu.