ShonaTeam Psalms « 47 »

Marudzi ose ngaarumbidze Jehovha

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema revanakomana vaKora.

47Uchirai, imwi marudzi ose! Pururudzai kuna Mwari neinzwi remufaro.

2 Nokuti Jehovha Wekumusoro-soro anotyisa; ndiMambo mukuru pamusoro penyika yose.

3 Achaisa vanhu pasi pedu, nemarudzi pasi petsoka dzedu.

4 Achatisarudzira nhaka yedu, ruremekedzo rwaJakove waanoda. Sera.

5 Mwari wakwira nekudanidzira, Jehovha nekurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari rumbidzo, imbai rumbidzo; imbirai mambo wedu rumbidzo, imbai rumbidzo.

7 Nokuti Mwari ndiMambo wepasi pose; imbai rumbidzo nekunzwisisa.

8 Mwari anotonga pamusoro pevahedheni; Mwari agere pachigaro cheushe cheutsvene hwake.

9 Machinda evanhu aungana pamwe, vanhu vaMwari waAbhurahama. Nokuti nhovo dzepanyika ndedzaMwari; wakakwiridzirwa kwazvo.