ShonaTeam Psalms « 44 »

Vanhu vaMwari vanochema kwaari pakutambudzika kwavo

Kumutungamiriri wekuimba. Wevanakomana vaKora. Masikiri.

44Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatirondedzera; basa ramakabata pamazuva avo, pamazuva ekare.

2 Imwi neruoko rwenyu makadzinga vahedheni panhaka, ndokuvasima ivo; makatambudza marudzi, asi makavaparadzira.

3 Nokuti havana kugara nhaka yenyika nemunondo wavo, neruoko rwavo haruna kupa ruponeso kwavari; asi chanza chenyu cherudyi, neruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, nokuti maifadzwa navo.

4 Ndimwi mambo wangu, Mwari; rairai kusunungurwa kukuru kwaJakove.

5 Nemwi tichasunda vavengi vedu; nezita renyu tichatsikira pasi vanotimukira.

6 Nokuti handingavimbi neuta hwangu, nemunondo wangu haungandiponesi.

7 Asi makatiponesa pavavengi vedu, uye makanyadzisa vanotivenga.

8 Muna Mwari tinozvirumbidza zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu kusvika rinhi narinhi. Sera.

9 Asi makarasa uye makatinyadzisa; uye hamuchabudi nehondo dzedu.

10 Makatidzoseresa shure kubva pamuvengi wedu; uye vanotivenga vanozvitapira.

11 Makatipa semakwai kuva zvekudya, uye makatiparadzira pakati pevahedheni.

12 Munotengesa vanhu venyu pasina fuma, uye hamuwedzeri chinhu nemutengo wavo.

13 Munotiita chinyadzo kuvavakidzani vedu, chiseko nechizvidzwa kune vakatipoteredza.

14 Munotiita dimikira pakati pevahedheni, kudzungudzwa kwemusoro pakati pevanhu.

15 Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu; nechinyadzo chechiso changu chakandifukidza;

16 nekuda kweinzwi remutuki nemuzvidzi; nekuda kwemuvengi nemutsivi.

17 Izvi zvose zvatiwira; zvakadaro hatina kukukanganwai, uye hatina kuita nekunyengedza pasungano yenyu.

18 Moyo yedu haina kudzokera shure, kana nhanho dzedu kutsauka pagwara renyu.

19 Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yemabukanana, mukatifukidza nemumvuri werufu.

20 Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, kana kutandavadzira maoko edu kuna mwari wendudzi:

21 Mwari haanganzveri izvi here? Nokuti anoziva zvakavanzika zvemoyo.

22 Zvirokwazvo, nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinotorwa semakwai ekubaiwa.

23 Pepukai, munorarirei, Ishe? Mukai, musatirasa nekusingaperi.

24 Munovanzirei chiso chenyu, muchikanganwa matambudziko edu nemanikidzo dzedu?

25 Nokuti mweya weupenyu wedu wakotamira kuguruva; dumbu redu rinonamatira pavhu.

26 Simukirai rubatsiro rwedu, uye tidzikunurei nekuda kwetsitsi dzenyu.