ShonaTeam Psalms « 43 »

Munyengetero wemunhu ari muutapwa

43Nditongei Mwari, mureverere nyaya yangu parudzi rwusingatyi Mwari; ndinunurei pamunhu weunyengeri nekusakarurama.

2 Nokuti imwi muri Mwari weutiziro hwangu; mandirasirei? Ndinofambirei ndichichema nekuda kwemanikidzo yemuvengi?

3 Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu; ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, nekutabhenakeri dzenyu.

4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, mufaro wekufara kwangu. Hongu, ndichakurumbidzai nembira, Mwari, Mwari wangu.

5 Unokotamirei, mweya weupenyu wangu? Uye unoshushikanirei mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomupa kuvonga, ruponeso rukuru rwechiso changu, naMwari wangu.