ShonaTeam Psalms « 42 »

Chishuvo chemutapwa kushumira Jehovha patembere

Kumutungamiriri wekuimba. Maskiri; yevanakomana vaKora.

42Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya weupenyu wangu unokutakwairirai, Mwari.

2 Mweya weupenyu wangu une nyota kuna Mwari, kuna Mwari mupenyu; ndichasvika rinhi ndionekwe pamberi pechiso chaMwari?

3 Misodzi yangu yanga iri zvekudya zvangu masikati neusiku, pavanoti kwandiri zuva rose: Mwari wako aripi?

4 Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya weupenyu wangu mukati mangu, nokuti ndakaenda nechaunga, ndakaenda navo kuimba yaMwari neinzwi remufaro nerumbidzo, chaunga chaichengetedza mabiko.

5 Unokotamirei, mweya weupenyu wangu, uye unoshushikanirei mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomupa kuvonga, ruponeso rukuru rwechiso chake.

6 Mwari wangu, mweya weupenyu wangu wakakotama mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri panyika yaJoridhani, neHerimoni, pachikomo cheMizari.

7 Udziku hunodana udziku pakutinhira kwemapopopo enyu; mafungu enyu ose nemaboporodzi enyu akapfuura nepamusoro pangu.

8 Jehovha acharaira rudo rweunyoro hwake masikati, nepausiku rwiyo rwake ruchava neni, munyengetero kuna Mwari weupenyu hwangu.

9 Ndichati kuna Mwari, dombo rangu: Makandikanganwirei? Ndinofambirei ndichichema nekuda kwemanikidzo yemuvengi?

10 Neguyo pamapfupa angu, vavengi vangu vanondimhura, pavanoti kwandiri zuva rose: Mwari wako aripi?

11 Unokotamirei, mweya weupenyu wangu? Uye unoshushikanirei mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomupa kuvonga, ruponeso rukuru rwechiso changu, naMwari wangu.