ShonaTeam Psalms « 41 »

Munyengetero pakurwara

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

41Wakaropafadzwa anorangarira murombo; Jehovha achamununura nezuva rechakaipa.

2 Jehovha achamuchengetedza, nekumuraramisa; achava wakaropafadzwa panyika; uye hamungamukumikidzi kuchido chevavengi vake.

3 Jehovha achamutsigira panhovo yeurwere; muchashandura nhovo yake yose pahosha yake.

4 Ini ndakati: Jehovha, ndinzwirei tsitsi; poresai mweya weupenyu wangu; nokuti ndakakutadzirai.

5 Vavengi vangu vanotaura kuipa pamusoro pangu vachiti: Achafa rinhi, zita rake rirove?

6 Kunyange kana achiuya kuona, anotaura zvisina maturo; moyo wake unozviunganidzira uipi; anobuda panze, ndokutaura.

7 Vose vanondivenga vanoita zeve-zeve pamwe chete kundirwisa; vanondirongera zvakaipa kwandiri; vachiti:

8 Chinhu chakaipa chakanamatira paari; uye sezvo akarara pasi, haachamukizve.

9 Hongu, murume weushamwari hwangu wandaivimba maari, aidya chingwa changu, wakandisimudzira chichitsinho.

10 Asi imwi, Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mugondisimudzira, kuti ndivatsive.

11 Neizvi ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haana kufara pamusoro pangu.

12 Kana ndiri ini, munonditsigira pauchokwadi hwangu; uye munondiisa pamberi penyu kusvika rinhi narinhi.

13 Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi. Ameni, uye Ameni.